Genesis 32:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jakobo akati: Imi, Mŋari waɓaɓa ʋaŋgu Abrahama, naMŋari waɓaɓa ʋaŋgu Isaka; imi Jehova, ndimi makati kwandiri: Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira ɀakanaka;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jakobho akanyengetera akati, “Haiwa Mwari wababa vangu Abhurahama, Mwari wababa vangu Isaka, imi Jehovha makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yokwako nokuhama dzako, uye ndichaita kuti ubudirire,’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jakobho ndokuti, “Mwari wavasekuru vangu Abhurahamu, imi Mwari wababa vangu Isaki imi Tenzi ndimi makanditi, ‘Chidzokera zvako kunyika yako, kune hama dzako ndichaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jakobho akati, “Imi, Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka; imi Jehovha, ndimi makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka’;
Shona 2009?
Zvino Jakobho akati, "imwi, Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka; imwi Jehovha, ndimwi makati kwandiri, `Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka';
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jakobho akati, “Imi, Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka; imi Jehovha, ndimi makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka’;