Genesis 33:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jakobo akasimudza meso ake, akatarira, akaʋona Esau aciʋuya anaʋarume ʋanamazana manna. Akagoʋera ʋana kunaRakeri naRea naʋarandakadzi ʋaʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jakobho akasimudza meso ake ndokuona hoyo Esau, achiuya ana varume mazana mana; saka akaparadzanisa vana pakati paRea naRakeri navarandakadzi vaviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jakobho akatarisa akaona Esau achiuya namazana mana avarume. Akakamura vana vake achiti Rea navake, Rakeri navake, varanda vechikadzi vaye vaviri navavowo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jakobho akasimudza meso ake, akatarira, akaona Esau achiuya ana varume vana mazana mana. Akagovera vana kuna Rakeri naRea navarandakadzi vaviri.
Shona 2009?
Zvino Jakobho akasimudza meso ake, akatarira, akaona Esau achiuya ana varume vana mazana mana. Akagovera vana kuna Rakeri naRea navarandakadzi vaviri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jakobho akasimudza meso ake, akatarira, akaona Esau achiuya ana varume vana mazana mana. Akagovera vana kuna Racheri naRea navarandakadzi vaviri.