Genesis 33:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jakobo akati: Kwete, kana ndawana nyasha kwamuri ɀino, ndinokumbiro kuti mugamucire cipo caŋgu paruʋoko rwaŋgu; nokuti ndaʋona ciso cenyu, cikaita seciso caMŋari, mukafara neni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jakobho akati, “Kwete ndapota! Kana ndawana nyasha kwamuri gamuchirai henyu chipo ichi kubva kwandiri. Nokuti kuona chiso chenyu kunenge kuona chiso chaMwari, sezvo zvino mandigamuchira zvakanaka kudai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jakobho akati, “Kweteka. Kana mandiitira mwoyo munyoro, ndinokumbira kuti mugamuchire zvenyu zvipo zvandiri kukupai. Pandaona chiso chenyu ndaita sendaona chiso chaMwari nokuti mandifarira zvikuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jakobho akati, “Kwete, kana ndawana nyasha kwamuri zvino, ndinokumbira kuti mugamuchire chipo changu paruoko rwangu; nokuti ndaona chiso chenyu, chikaita sechiso chaMwari, mukafara neni.
Shona 2009?
Jakobho akati, "Kwete,kana ndawana nyasha kwamuri zvino, ndinokumbira kuti mugamuchire chipo changu paruoko rwangu; nokuti ndaona chiso chenyu, chikaita sechiso chaMwari, mukafara neni.
Shona SUB 2002 Bible
Jakobho akati, “Kwete, kana ndawana nyasha kwamuri zvino, ndinokumbira kuti mugamuchire chipo changu paruoko rwangu; nokuti ndaona chiso chenyu, chikaita sechiso chaMwari, mukafara neni.