Genesis 33:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati kwaari: Ishe waŋgu unoziʋa kuti ʋana ʋaciri ʋaɗuku, ʋuye kuti makwai neŋombe ɀandinaɀo ɀinomŋisa; kana ʋakaɀitinhisa zuʋa rimŋe, ɀipfuwo ɀose ɀicafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jakobho akati kwaari, “Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku uye kuti ndinofanira kuchengetedza makwai nemombe dziri kunwisa. Kana zvikanyanya kutinhwa nezuva rimwe chete, zvingazofa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Jakobho akamuti, “Changamire munoziva kuti vapwere havana kusimba. Uye ndinotyirawo hwai nemombe dzandinadzo dziri kuyamwisa. Kana zvikanyanya kumhanyiswa kwezuva rimwechete zvaro matanga ose ezvipfuwo zvinopera kufa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati kwaari, “Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku, uye kuti makwai nemombe zvandinazvo zvinoyamwisa; kana vakazvitinhisa zuva rimwe, zvipfuwo zvose zvichafa.
Shona 2009?
Iye akati kwaari, "Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku, uye kuti makwai nemombe zvandinazvo zvinoyamwisa; kana vakazvitinhisa zuva rimwe, zvipfuwo zvose zvichafa.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati kwaari, “Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku, uye kuti makwai nemombe zvandinazvo zvinoyamwisa; kana vakazvitinhisa zuva rimwe, zvipfuwo zvose zvichafa.