Genesis 33:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ishe waŋgu ŋgaapinde hake mberi kwomuranda wake; ini ndicanatso‐ɀisesedza seɀaɀinogona kufamba, iɀi ɀipfuwo ɀiri pamberi paŋgu, naʋana seɀaʋanogona kufamba, kudzimana ndaȿika kunashe waŋgu paSeiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ishe wangu ngaatungamire hake mberi kwomuranda wake, ini ndichifamba hangu zvishoma zvishoma nenhambwe dzinoenderana nezvipfuwo zviri mberi kwangu, uyewo zvinoenderana navana, kudzamara ndasvika kuna she wangu kuSeiri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino dai mukatungamira zvenyu pamberi pomuranda wenyu changamire. Ini ndichatevera zvangu zvishoma nezvishoma kudzamara ndasvika kwamuri kuSeiri sokufamba kwezvipfuwo zvandiri kutinha izvi nokufambawo kwavana, changamire.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ishe wangu ngaapinde hake mberi kwomuranda wake; ini ndichanyatsozvisesedza sezvazvinogona kufamba, izvo zvipfuwo zviri pamberi pangu, navana sezvavanogona kufamba, kudzimara ndasvika kuna ishe wangu paSeiri.”
Shona 2009?
Ishe wangu ngaapinde hake mberi komura­nda wake; ini ndichanyatsozvisesedza sezvazvinogona kufamba, izvo zvipfuwo zviri pamberi pangu, navana sezvavano­gona kufamba, kudzimara ndasvika kuna ishe wangu paSeiri."
Shona SUB 2002 Bible
Ishe wangu ngaapinde hake mberi kwomuranda wake; ini ndichanyatsozvisesedza sezvazvinogona kufamba, izvo zvipfuwo zviri pamberi pangu, navana sezvavanogona kufamba, kudzimara ndasvika kuna ishe wangu paSeiri.”