Genesis 33:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akasimudza meso ake, akaʋona ʋakadzi naʋana, akati: Aʋa ʋaunaʋo ndiʋanani — Iye akati: Ndiʋo ʋana ʋakapiwa muranda wenyu naMŋari nenyasha dzake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Esau akasimudza meso ake akaona madzimai navana. Akamubvunza akati, “Ndivanaaniko ava vaunavo?” Jakobho akapindura akati, “Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Esau akatarisa akaona vakadzi navana akati, “Ko ava vaunavo ndivanaani?” Jakobho ndokuti, “Vana vangu ini muranda wenyu vandakapiwa naMwari nokuda kwenyasha dzake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akasimudza meso ake, akaona vakadzi navana, akati, “Ava vaunavo ndivanani?” Iye akati, “Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari nenyasha dzake.”
Shona 2009?
Akasimudza meso ake, akaona vakadzi navana, akati, "Ava vaunavo ndivanani?" Iye akati, "Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari nenyasha dzake."
Shona SUB 2002 Bible
Akasimudza meso ake, akaona vakadzi navana, akati, “Ava vaunavo ndivanani?” Iye akati, “Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari nenyasha dzake.”