Genesis 34:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Hamori naShekemi, mŋanakomana wake, ʋakaʋuya kusuʋo reguta raʋo, ʋakataurirana naʋanhu ʋeguta raʋo, ʋakati:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Hamori nomwanakomana wake Shekemu vakaenda kusuo reguta ravo kuti vandotaura navamwe varume vomuguta ravo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nezvo Hamori nomwana wake Shikemu vakaenda kudare ravanhu kusuo guru reguta ravo vakandotaurirana navanhu vemo vachiti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Hamori naShekemu, mwanakomana wake, vakauya kusuo reguta ravo, vakataurirana navanhu veguta ravo vakati,
Shona 2009?
Zvino Hamori naShekemu, mwa­nakomana wake, vakauya kusuo reguta ravo, vakataurirana navanhu veguta ravo vakati,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Hamori naShekemu, mwanakomana wake, vakauya kusuwo reguta ravo, vakataurirana navanhu veguta ravo vakati,