Genesis 34:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu aʋa ʋanorugare nesu; naiɀoɀo ŋgaʋagare haʋo munyika ino, ʋashambadzire’mo; nokuti tarirai nyika inoʋariŋgana; ŋgatitore ʋakunda ʋaʋo ʋaʋe ʋakadzi ʋeɗu, nesu tiʋape ʋakunda ʋeɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati, “Vanhu ava vakanaka kwazvo kwatiri. Ngavagare munyika yedu uye vashambadzire mairi; nyika yakakura kwazvo kwavari. Tinogona kuwana vanasikana vavo uye ivo vanogona kuwana veduwo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Vanhu ava vagere nesu zvakanaka kwazvo, dai vagara zvavo munyika ino vachiita zvavo mhindu dzinovawanisa mari nokuti tarisai muone nyika ihuru iyi. Ngatirooreranei navo, ivo vatore vanasikana vedu isu tichivapawo vedu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Vanhu ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare havo munyika ino, vashambadziremo; nokuti tarirai nyika inovaringana; ngatitore vakunda vavo vave vakadzi vedu, nesu tivape vakunda vedu.
Shona 2009?
"Vanhu ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare havo munyika ino, vashambadziremo; nokuti tarirai nyika inovaringana; ngatitore vakunda vavo vave vakadzi vedu, nesu tivape vakunda vedu.
Shona SUB 2002 Bible
“Vanhu ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare havo munyika ino, vashambadziremo; nokuti tarirai nyika inovaringana; ngatitore vakunda vavo vave vakadzi vedu, nesu tivape vakunda vedu.