Genesis 34:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jakobo akati kunaSimeoni naRevi: Manditorera mufaro, ɀamandinhuwisa pakati paʋanhu ʋanogara munyika ino, pakati paʋaKanani naʋaPeresi; ini ɀandinaʋanhu ʋashoma, ʋacandiʋuŋganira, ʋakandiʋuraya; ndicaparadzwa ini naʋeimba yaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, “Mandiparira dambudziko mukandiita chinhu chinonhuwa kuvaKenani navaPerezi, vanhu vagere munyika muno. Tiri vashoma isu, uye kana vakandikomberana uye vakarwa neni, ini nemhuri yangu tichaparadzwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, “Mandipa nhamo mandiparira moto muziso. Iye zvino vanhu vomunyika ino, vaKanani nevaPerizi vachandivenga. Ini ndinongova navanhu vashoma. Kana vakandikomberana vachandiparadza, ini nemhuri yangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, “Manditorera mufaro, zvamandinhuwisa pakati pavanhu vanogara munyika ino, pakati pavaKenani navaPerezi; ini zvandiine vanhu vashoma, vachandiunganira, vakandiuraya; ndichaparadzwa ini neveimba yangu.”
Shona 2009?
Ipapo Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, "Manditorera mufaro, zvamandinhuwisa pakati pavanhu vanogara munyika ino, pakati pavaKenani navaPerezi; ini zvandiine vanhu vashoma, vachandiunganira, vakandiuraya; ndichaparadzwa ini neveimba yangu."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jakobho akati kuna Simioni naRevhi, “Manditorera mufaro, zvamandinhuwisa pakati pavanhu vanogara munyika ino, pakati paVaKenani navaPerezi; ini zvandiine vanhu vashoma, vachandiunganira, vakandiuraya; ndichaparadzwa ini neveimba yangu.”