Genesis 34:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jakobo wakanzwa kuti wakacinya Dina, mukunda wake; ʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋari kuɀipfuwo ɀake kusaŋgo, Jakobo akanyarara hake kuȿikira ʋaʋuya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jakobho paakanzwa kuti mwanasikana wake Dhaina akanga asvibiswa, vanakomana vake vakanga vari kusango nezvipfuwo zvake; saka akanyarara pamusoro pazvo kusvikira vauya kumba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jakobho akanzwa kuti mwana wake Dhina akanganiswa, izvozvo vana vake vakomana vakanga vari kumafuro vachifudza zvipfuwo. Jakobho akanyarara zvake kudzamara vauya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jakobho akanzwa kuti akachinya Dhina, mukunda wake; vanakomana vake vakanga vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakobho akanyarara hake kusvikira vauya.
Shona 2009?
Zvino Jakobho akanzwa kuti akachinyira Dhina, mukunda wake; vanakomana vake vakanga vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakobho akanyarara hake kusvikira vauya.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jakobho akanzwa kuti akasvibisa Dhina, mukunda wake; vanakomana vake vakanga vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakobho akanyarara hake kusvikira vauya.