Genesis 34:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo ʋanakomana ʋaJakobo ʋakaʋuya ʋacibva kusaŋgo; ɀino ʋarume aʋa ʋakaŋga ʋaneshuŋgu kwaɀo, ʋakatsamŋa ɀikuru, nokuti wakaŋga aita cinhu cakaipa kwaɀo pakati paʋaIsraeri kuti aʋate nomukunda waJakobo; cinhu ico cakaŋga cisiŋgafaniri kuitwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango, pavakangonzwa zvakanga zvaitika. Vakanga vane shungu uye vakatsamwa, nokuti Shekemu akanga aita chinhu chinonyadza kwazvo kuna Israeri, chokuvata nomwanasikana waJakobho, chinhu chisingafaniri kuitwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanakomana vaJakobho vakadzoka musango mavaiva nokuti vakanga vazvinzwa. Varume ava vakaviruka nehasha, vakashatirwa kwazvo nokuti Shikemu akanga aita chinhu chisina nomusoro wose muIsiraeri chokutadza nomwanasikana waJakobho nokuti hazvifanire kunzarwo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango; zvino varume ava vakanga vane shungu kwazvo, vakatsamwa zvikuru, nokuti akanga aita chinhu chakaipa kwazvo pakati pavaIsiraeri kuti avate nomukunda waJakobho; chinhu icho chakanga chisingafaniri kuitwa.
Shona 2009?
Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakobho vakauya vachi­bva kusango; zvino varume ava vakanga vane shungu kwazvo, vakatsamwa zvi­kuru, nokuti akanga aita chinhu chakaipa kwazvo pakati pavaIsiraeri kuti avate nomukunda waJakobho; chinhu icho cha­kanga chisingafaniri kuitwa.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango; zvino varume ava vakanga vane shungu kwazvo, vakatsamwa zvikuru, nokuti akanga aita chinhu chakaipa kwazvo pakati paVaIsiraeri kuti avate nomukunda waJakobho; chinhu icho chakanga chisingafaniri kuitwa.