Genesis 35:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mŋari wakati kunaJakobo: Simuka, ukwire Beteri, undogara’ko; uitire Mŋari artari’po, iye wakaɀiratidza kwauri paŋguʋa yokutiza kwako pamberi paEsau, mukuru wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mwari akati kuna Jakobho, “Kwira uende kuBheteri undogara ikoko, uye uvake aritari yaMwari ikoko, iye akazviratidza kwauri pawakanga uchitiza mukoma wako Esau.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akataurira Jakobho kuti, “Chisimuka uende kuBhetieri ugareko, undigadzirire atari ikoko ini Mwari nyakuzviratidza kwauri panguva yawakatiza mukoma wako Esau.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mwari akati kuna Jakobho, “Simuka, ukwire Bheteri, undogara ikoko; uitire Mwari atari ipapo, iye akazviratidza kwauri panguva yokutiza kwako pamberi paEsau, mukuru wako.”
Shona 2009?
Zvino Mwari akati kuna Jakobho, "Simuka, ukwire Bheteri, undogara ikoko; uitire Mwari aritari ipapo, iye akazviratidza kwauri panguva yoku­tiza kwako pamberi paEsau, mukuru wako."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mwari akati kuna Jakobho, “Simuka, ukwire Bhetieri, undogara ikoko; uitire Mwari atari ipapo, iye akazviratidza kwauri panguva yokutiza kwako pamberi paEsau, mukuru wako.”