Genesis 35:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakafamba ʋacibva Beteri; cinhambo cakaŋga cici’po cokuȿika Efrati; Rakeri akaɀara, akatambudzika pakupona kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakapfuurira mberi kubva kuBheteri. Vachiri chinhambwe neEfurati, Rakeri akatanga kurwadziwa uye akatambudzika zvikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakabva kuBhetieri vosimudzira rwendo rwavo voenda. Asi vachiri chinhambwe nokusvika munyika yeEfurati nguva yaRakeri yokusununguka yakasvika. Rakeri akatambura chaizvo pakusununguka kwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakafamba vachibva Bheteri; chinhambo chakanga chichipo chokusvika Efurata; Rakeri akazvara, akatambudzika pakupona kwake.
Shona 2009?
Zvino vakafamba vachibva Bheteri; chinhambo chakanga chichipo chokusvika Efurata; Rakeri akazvara, akatambudzika pakupona kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakafamba vachibva Bhetieri; chinhambo chakanga chichipo chokusvika Efurata; Racheri akazvara, akatambudzika pakupona kwake.