Genesis 35:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋaka’po artari, akatumidza zita renɀimbo iyo Eri‐beteri; nokuti Mŋari wakaŋga aɀiratidza kwaari ipapo, paŋguʋa yokutiza kwake pamberi pomukuru wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavaka aritari ipapo, uye akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Eri Bheteri, nokuti Mwari akazviratidza kwaari ipapo paakanga achitiza mukoma wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavaka atari ipapo akapatumidza zita rokuti Eribhetieri nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo panguva iya yaakatiza mukoma wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akavakapo atari, akatumidza zita renzvimbo iyoyo kuti Eribheteri; nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo, panguva yokutiza kwake pamberi pomukuru wake.
Shona 2009?
Akavakapo aritari, akatumidza zita renzvimbo iyoyo kuti Eribheteri; nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo, panguva yokutiza kwake pamberi pomukuru wake.
Shona SUB 2002 Bible
Akavakapo atari, akatumidza zita renzvimbo iyoyo kuti Eribhetieri; nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo, panguva yokutiza kwake pamberi pomukuru wake.