Genesis 36:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Esau wakatora ʋakadzi ʋake, naʋanakomana ʋake, naʋakunda ʋake, naʋanhu ʋose ʋeimba yake, neɀipfuwo ɀake, neŋombe dzake dzose, nefuma yake yose yaakaŋga aʋuŋganidza munyika yeKanani, akaenda kunyika iri kure nomunuŋuna wake Jakobo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Esau akatora vakadzi vake navanakomana vake uye vanasikana vake navamwe vose veimba yake, pamwe chete nemombe dzake nezvimwe zvipfuwo zvake nepfuma yake yose yaakanga awana muKenani, akaenda kunyika yakanga iri kure nomunun'una wake Jakobho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Esau akasiya munun'una wake Jakobho ndokubva atamira kure. Akaendako namadzimai ake navana vake vakomana navasikana navanhu vake vose. Akaendawo nemombe nezvimwe zvipfuwo zvake noupfumi hwake hwose hwaakanga awana munyika yeKanani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Esau akatora vakadzi vake, navanakomana vake, navakunda vake, navanhu vose veimba yake, nezvipfuwo zvake, nemombe dzake dzose, nepfuma yake yose yaakanga aunganidza munyika yeKenani, akaenda kunyika iri kure nomun'una wake Jakobho.
Shona 2009?
Zvino Esau akatora vakadzi vake, navanakomana vake, navakunda vake, navanhu vose veimba yake, nezvipfuwo zvake, nemombe dzake dzose, nefuma yake yose yaakanga aunganidza munyika yeKenani, akaenda kunyika iri kure no­munun'una wake Jakobho.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Esau akatora vakadzi vake, navanakomana vake, navakunda vake, navanhu vose veimba yake, nezvipfuwo zvake, nemombe dzake dzose, nepfuma yake yose yaakanga aunganidza munyika yeKenani, akaenda kunyika iri kure nomunun'una wake Jakobho.