Genesis 37:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋudza ɓaɓa ʋake naʋakoma ʋake iɀoɀo; ɓaɓa ʋake ʋakamutuka, ʋakati kwaari: Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi — Ini namai ʋako naʋakoma ʋako ticaʋuya tikakotama pasi pamberi pako kanhi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paakaudza baba vake pamwe chete namadzikoma ake, baba vake vakamutsiura vakati, “Kurotai kwawakaita uku? Ko, mai vako neni namadzikoma ako tichauya kuzokupfugamira here iwe zvirokwazvo?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi paakaudza baba vake navakoma vake izvozvo, baba vake vakamutsiura vachiti, “Ko iwe dzako ihopei dzaunongoti ndarota ndarota? Heya unoreva kuti ini namai vako navakoma vako, chaizvoizvo tichazogwadamira iwe nhai?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, “Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kani?”
Shona 2009?
Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, "Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kanhi?"
Shona SUB 2002 Bible
Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, “Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kani?”