Genesis 37:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Marudzi aJakobo ndiwo: Josefa wakaŋga anamakore anegumi namanomŋe, akafudza makwai pamŋe cete naʋakoma ʋake; wakaŋga aciri mukomana pamŋe cete naʋanakomana ʋaBirha, naʋanakomana ʋaZirpa, ʋakadzi ʋaɓaɓa ʋake; Josefa akasiʋaʋudzisira kunaɓaɓa ʋaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iyi ndiyo nhoroondo yaJakobho. Josefa jaya ramakore gumi namanomwe, akanga achifudza makwai pamwe chete namadzikoma ake, vanakomana vaBhiriha navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake, uye akauya namashoko akaipa kuna baba vavo pamusoro pavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Heinoi nhoroondo yemhuri yaJakobho. Josefi paakanga ava jaya rine makore gumi namanomwe aienda navakoma vake kundofudza zvipfuwo. Vakoma vake ava vaiva vana vaBhiriha naZiripa vakadzi vababa vake. Josefi aigarovachera kuna Isiraeri baba vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Marudzi aJakobho ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namanomwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri mukomana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo.
Shona 2009?
Marudzi aJakobho ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namano­mwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri muko­mana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vaka­dzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo.
Shona SUB 2002 Bible
Marudzi aJakobho ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namanomwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri mukomana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo.