Genesis 37:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuyai ɀino timuʋuraye, timukandire munerimŋe ramakomba awa, tigoti: Wadyiwa necikara; tigoʋona kuti kurota kwake kucazoitwa seiko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyai zvino timuuraye tigomukanda mune rimwe ramatsime aya uye tigoti akadyiwa nechikara. Ipapo tichazoona zvinobva pakurota kwake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngatimuurayei, timukande mune rimwe gomba, tozoti akadyiwa nechikara, tigoona kuti kurota kwake kwacho kuchasvikepi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyai zvino timuuraye, timukandire mune rimwe ramakomba aya, tigoti, ‘Wadyiwa nechikara;’ tigoona kuti kurota kwake kuchazoitwa seiko.”
Shona 2009?
Uyai zvino timuuraye, timukandire mune rimwe ra­makomba aya, tigoti, `Wadyiwa nechi­kara;' tigoona kuti kurota kwake kucha­zoitwa seiko."
Shona SUB 2002 Bible
Uyai zvino timuuraye, timukandire mune rimwe ramakomba aya, tigoti, ‘Wadyiwa nechikara;’ tigoona kuti kurota kwake kuchazoitwa seiko.”