Genesis 37:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakagara pasi, ʋakadya ɀokudya; ɀino ʋakasimudza meso aʋo, ʋakatarira, ʋakaʋona ɓoka raʋaIshmaeri ʋacifamba, ʋacibva Gireadi, makamera aʋo akatakura ɀinhu ɀinonhuwira, nebarsami, nemura, ʋacindoɀiisa Egipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavakagara kuti vadye zvokudya zvavo, vakasimudza meso avo vakaona ngoro dzavaIshumaeri dzichibva kuGireadhi. Ngamera dzavo dzakanga dzakatakura zvinonhuwira, bharimu nemura, uye vakanga vachienda nazvo kuIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakagara pasi vava kudya zvavo, ndokubva vaona dungwerungwe revaIshimaeri vaibva kuGiriadhi vachienda kuIjipiti. Vakanga vaine ngamera dzavo dzakanga dzakatakura zvokuzora zvinonhuhwira zvinoti, gamu neBharimu tunonhuhwirira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakagara pasi, vakadya zvokudya; zvino vakasimudza meso avo, vakatarira, vakaona boka ravaIshimaeri vachifamba, vachibva Gireadhi, makamera avo akatakura zvinhu zvinonhuwira, nebarisami, nemura, vachindozviisa Ijipiti.
Shona 2009?
Vakagara pasi, vakadya zvokudya; zvino vakasimudza meso avo, vakatarira, vakaona boka ravaIshimaeri vachifamba, vachibva Giriyadhi, makamera avo akatakura zvinhu zvinonhuhwira, nebarisami, nemura, vachindozviisa Ijipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Vakagara pasi, vakadya zvokudya; zvino vakasimudza meso avo, vakatarira, vakaona boka ravaIshimaeri vachifamba, vachibva Giriadhi, makamera avo akatakura zvinhu zvinonhuwira, nebarisami, nemura, vachindozviisa Ijipiti.