Genesis 37:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Israeri wakaŋga aciɗa Josefa kupfuʋura ʋana ʋake ʋose, nokuti wakaŋga ari mŋanakomana woʋutana bgake; akamuitira ŋguʋo yakaŋga yakareɓa inamaʋoko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Israeri akanga achida Josefa kupfuura vamwe vavanakomana vake, nokuti akanga aberekwa panguva youtana hwake; uye akamuitira nguo yakaisvonaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isiraeri aida Josefi chaizvo kupfuura vamwe vana vake vose nokuti akazoberekwa ivo vakwegura. Akasonera Josefi hanzu yakanga yakareba, yemaoko marefu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Isiraeri akanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nokuti akanga ari mwanakomana woutana hwake; akamuitira nguo yakanga yakareba ina maoko.
Shona 2009?
Zvino Isiraeri akanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nokuti akanga ari mwanakomana woutana hwake; akamuitira nguvo yakanga yakareba ina maoko.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Isiraeri akanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nokuti akanga ari mwanakomana woutana hwake; akamuitira nguo yakanga yakareba ina maoko.