Genesis 37:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakatumira ŋguʋo iyo yakareɓa inamaʋoko kunaɓaɓa ʋaʋo, ʋakati: Tanoŋga cinhu ici; fananidzai ɀakanaka kana iri ŋguʋo yomŋanakomana wenyu, kana isati iri iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakatora nguo iya yakaisvonaka vakaenda nayo kuna baba vavo vakati, “Takanonga ichi. Cherechedzai muone kana ingava nguo yomwanakomana wenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakatumira hanzu yake yemaoko marefu iya kuna baba vavo vachiti, “Onai zvatanonga izvi. Tarisaiwo muone kana iri hanzu yomwana wenyu kana kuti kwete.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakatumira nguo iyo yakareba ina mavoko kuna baba vavo, vakati, “Tanonga chinhu ichi; fananidzai zvakanaka kana iri nguo yomwanakomana wenyu, kana isati iri iyo.”
Shona 2009?
vakatumira nguvo iyo yakareba ina mavoko kuna baba vavo, vakati, "Tanonga chinhu ichi; fananidzai zvakanaka kana iri nguvo yomwanako­mana wenyu, kana isati iri iyo."
Shona SUB 2002 Bible
vakatumira nguo iyo yakareba ina mavoko kuna baba vavo, vakati, “Tanonga chinhu ichi; fananidzai zvakanaka kana iri nguo yomwanakomana wenyu, kana isati iri iyo.”