Genesis 37:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanakomana ʋake ʋose naʋakunda ʋake ʋose ʋakasimuka ʋakamunyaradza; asi wakaramba kunyaradzwa, akati: Ndicaɓurukira kubgiro kumŋanakomana waŋgu, ndicicema. Ƃaɓa ʋake ʋakamuwuŋgudzira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanakomana vake navanasikana vake vose vakauya kuzomunyaradza, asi akaramba kunyaradzwa. Akati, “Kwete, ndichaburuka kuguva ndichichema mwanakomana wangu.” Saka baba vake vakamuchema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vana vake vose vakomana navasikana vakaedza kumunyaradza, asi mwoyo wake wakaramba kusununguka. Akati, “Ndichadzamara kufa ndichizoenda kunzvimbo yavachakabvu ndichichema mwana wangu.” Ndokuchema kwaiita baba vake zuva nezuva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi akaramba kunyaradzwa, akati, “Ndichaburukira kuhwiro kumwanakomana wangu, ndichichema.” Baba vake vakamuwungudzira.
Shona 2009?
Vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi akaramba kunyaradzwa, akati, "Ndichaburukira kuhwiro kumwanakomana wangu, ndichichema." Baba vake vakamuwungudzira.
Shona SUB 2002 Bible
Vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi akaramba kunyaradzwa, akati, “Ndichaburukira kuhwiro kumwanakomana wangu, ndichichema.” Baba vake vakamuwungudzira.