Genesis 37:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakoma ʋake ʋakati kwaari: Ko iwe ucaɓata ʋushe pamsoro peɗu kanhi — Ko iwe ucaʋa nesimba pamsoro peɗu kanhi — Ʋakanyanya kumuʋeŋga nokuɗa kwokurota kwake nokwamashoko ake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Madzikoma ake akati kwaari, “Ko, iwe unoda kutitonga here? Ko, zvirokwazvo uchatitonga here iwe?” Uye vakanyanyisa kumuvenga nokuda kwokurota kwake uye nokuda kwezvaakanga ataura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakoma vake vakati, kwaari “Heya! Saka unofunga kuti uchava ishe wedu ugotitonga tose nhai!” Vakanyanya kumuvengera zviroto zvake nezvaaitaura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakoma vake vakati kwaari, “Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kani? Ko iwe uchava nesimba pamusoro pedu kani?” Vakanyanya kumuvenga nokuda kwokurota kwake nokwamashoko ake.
Shona 2009?
Vakoma vake vakati kwaari, "Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kanhi? Ko iwe uchava nesimba pamusoro pedu kanhi?" Vakanyanya kumuvenga nokuda kokurota kwake nokwamashoko ake.
Shona SUB 2002 Bible
Vakoma vake vakati kwaari, “Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kani? Ko iwe uchava nesimba pamusoro pedu kani?” Vakanyanya kumuvenga nokuda kwokurota kwake nokwamashoko ake.