Genesis 37:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akapamha kurota ɀe, akaʋudza ʋakoma ʋake, akati: Tarirai, ndarota ɀe dzimŋe hope; ndakaʋona zuʋa, nomŋedzi, nenyeredzi dzinegumi neimŋe, dzicikotamira pamberi paŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akarotazve dzimwe hope, uye akadzitaura kumadzikoma ake. Akati, “Inzwai, ndarota dzimwe hope, uye panguva iyi zuva nomwedzi nenyeredzi gumi neimwe zvakanga zvichindipfugamira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazorota zvakare dzimwe hope, ndokuudza vakoma vake achiti, “Ndarotazve dzimwe hope. Ndaona zuva nomwedzi nenyenyedzi gumi neimwe zvichindikotamira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapamha kurotazve, akaudza vakoma vake, akati, “Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyeredzi dzine gumi neimwe, dzichikotamira pamberi pangu.”
Shona 2009?
Akapamha kurotazve, akaudza va­koma vake, akati, "Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyeredzi dzine gumi neimwe, dzichi­kotamira pamberi pangu."
Shona SUB 2002 Bible
Akapamha kurotazve, akaudza vakoma vake, akati, “Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyenyedzi dzine gumi neimwe, dzichikotamira pamberi pangu.”