Genesis 38:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Juda akati kunaTamari, mukadzi womŋana wake: Cigara hako uri cirikadzi paimba yaɓaɓa ʋako, kuȿikira Shera, mŋanakomana waŋgu, akura; nokuti wakati: Ɀimŋe uŋgafa saʋakoma ʋake. Tamari akandogara kumba kwaɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Judha akati kuna Tamari mukadzi womwana wake, “Gara hako uri chirikadzi mumba mababa vako kusvikira mwanakomana wangu Shera akura.” Nokuti akafunga kuti, “Naiye angafawo, sezvakaita madzikoma ake.” Saka Tamari akaenda akandogara mumba mababa vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Judha akataura nomuroora wake Tamari achiti, “Dai machimbondogara kumusha kwababa venyu, muri chirikadzi kudai kusvikira Shera mwanakomana wangu akura.” Izvozvo Judha aifunga mumwoyo make kuti zvimwe Shera angafewo sezvakaita vakoma vake. Tamari akandogara zvake kumusha kwababa vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Judha akati kuna Tamari, mukadzi womwana wake, “Chigara hako uri chirikadzi paimba yababa vako, kusvikira Shera, mwanakomana wangu, akura;” nokuti akati, “Zvimwe angafa savakoma vake.” Tamari akandogara kumba kwababa vake.
Shona 2009?
Ipapo Judha akati kuna Tamari, mukadzi womwana wake, "Chigara hako uri chirikadzi paimba yababa vako, kusvikira Shera, mwanakomana wangu, akura;" nokuti akati, "Zvimwe angafa savakoma vake." Tamari akandogara kumba kwababa vake.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Judha akati kuna Tamari, mukadzi womwana wake, “Chigara hako uri chirikadzi paimba yababa vako, kusvikira Shera, mwanakomana wangu, akura;” nokuti akati, “Zvimwe angafa savakoma vake.” Tamari akandogara kumba kwababa vake.