Genesis 38:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ipapo iye akabvisa ŋguʋo dzoʋucirikadzi bgake, akaɀifukidza necokufukidzira cake, akaɀiputira, akagara pasuʋo reEnaimi, guta riri panzira inoenda Timna; nokuti wakaŋga aʋona kuti Shera wakura, akasamupiwa iye kuti aʋe mukadzi wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akabvisa nguo dzechirikadzi, akazvifukidza nechifukidzo chokumeso kuti azvivanze, uye ipapo akagara pasi pamukova unopinda kuEnaimi, uri munzira inoenda kuTimina. Nokuti akaona kuti kunyange zvazvo Shera akanga akura, haana kunge apiwa kwaari kuti ave mukadzi wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akabvisa hanzu dzouchirikadzi dzaaipfeka, ndokupfeka dzimwewo. Akazvifukidza nedhuku rake, ndokundogara pamusuo weguta rainzi Enaimi raiva panzira yaienda kuTimina. Tamari akanga aona kuti Shera akura, asi haana kunge amupiwa kuti amugare nhaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ipapo iye akabvisa nguo dzouchirikadzi hwake, akazvifukidza nechokufukidzira chake, akazviputira, akagara pasuo reEnaimu, guta riri panzira inoenda Timuna; nokuti akanga aona kuti Shera akura, akasamupiwa iye kuti ave mukadzi wake.
Shona 2009?
ipapo iye akabvisa nguvo dzouchirikadzi hwake, akazvifukidza nechokufukidzira chake, akazviputira, akagara pasuo reEnaimu, guta riri panzira inoenda Timuna; nokuti akanga aona kuti Shera akura, akasamupiwa iye kuti ave mukadzi wake.
Shona SUB 2002 Bible
ipapo iye akabvisa nguo dzouchirikadzi hwake, akazvifukidza nechokufukidzira chake, akazviputira, akagara pasuwo reEnaimu, guta riri panzira inoenda Timuna; nokuti akanga aona kuti Shera akura, akasamupiwa iye kuti ave mukadzi wake.