Genesis 38:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatsaukira kwaari panzira, akati: Ƌoʋuya, ndipinde kwauri; nokuti wakaŋga asiŋgaziʋi, kuti mukadzi womŋanakomana wake. Iye akati: Unogondipeiko, kuti upinde kwandiri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asingazivi kuti akanga ari muroora wake, akaenda kwaari parutivi rwenzira akati, “Uya zvino, rega ndivate newe.” Iye akati, “Unozondipei kuti ndivate newe?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Judha akatsaukira kwaari akataurirana naye kuti aite chakaipa naye, asingazivi kuti muroora wake. Tamari akati, “Munondipeiko kana maita izvozvo neni?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatsaukira kwaari panzira, akati, “Douya, ndipinde kwauri;” nokuti akanga asingazivi, kuti mukadzi womwanakomana wake. Iye akati, “Unogondipeiko, kuti upinde kwandiri?”
Shona 2009?
Akatsaukira kwaari panzira, akati, "Douya, ndipinde kwauri;" nokuti akanga asingazivi, kuti mukadzi womwa­nakomana wake. Iye akati, "Unogondi­peiko, kuti upinde kwandiri?"
Shona SUB 2002 Bible
Akatsaukira kwaari panzira, akati, “Douya, ndipinde kwauri;” nokuti akanga asingazivi, kuti mukadzi womwanakomana wake. Iye akati, “Unogondipeiko, kuti upinde kwandiri?”