Genesis 38:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Ndicagokupa ruɓatso rweiko — Iye akati: Cimhete cako, norwonzi rwako, netȿimbo yako iri paruʋoko rwako. Akamupa iɀoɀo, akapinda kwaari, akaʋa nemimba naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati, “Ndingakupa chitsidzo cheiko?” Akapindura akati, “Mhete yako yechisimbiso norutambo rwayo, netsvimbo iri muruoko rwako.” Saka akamupa izvozvo uye akavata naye, uye akava nemimba naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Judha akati, “Ndingagokupa chiiko?” Iye ndokuti, “Ndipei mhete yenyu yechidhindo netambo yayo pamwechete nomudonzvo wenyu.” Judha akamupa zvinhu izvozvo, ndokutadza zvake naye akabva ava napamuviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Ndichagokupa rubatso rweiko?” Iye akati, “Chimhete chako, norwonzi rwako, netsvimbo yako iri paruoko rwako.” Akamupa izvozvo, akapinda kwaari, akava nemimba naye.
Shona 2009?
Akati, "Ndichagokupa rubatso rweiko?" Iye akati, "Chimhete chako, norwonzi rwako, netsvimbo yako iri paruoko rwako." Akamupa izvozvo, akapinda kwaari, akava nemimba naye.
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Ndichagokupa rubatso rweiko?” Iye akati, “Chimhete chako, netambo yako, netsvimbo yako iri paruoko rwako.” Akamupa izvozvo, akapinda kwaari, akava nemimba naye.