Genesis 38:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akabvunza ʋanhu ʋokwake, aciti: Ciripiko cifeʋe ciya, cakaŋga ciri paEnaimi panzira — Ʋakati: Kwakaŋga kusinecifeʋe pano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabvunza varume vaigara ikoko akati, “Chiripiko chifeve chaigara parutuvi rwenzira yeEnaimi?” Ivo vakati, “Hapana kumbova nechifeve pano.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hira akabvunza vanhu vomuEnaimi achiti, “Ko pfambi yaigara panzira muEnaimu iripiko?” Vanhu ndokuti, “Hakuna pfambi yakanga iri kuno.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akabvunza vanhu vokwake, achiti, “Chiripo chifeve chiya, chakanga chiri paEnaimu panzira?” Vakati, “Kwakanga kusina chifeve pano.”
Shona 2009?
Akabvunza vanhu vokwake, achiti, "Chiripiko chifeve chiya, chakanga chiri paEnaimu panzira?" Vakati, "Kwakanga kusina chifeve pano."
Shona SUB 2002 Bible
Akabvunza vanhu vokwake, achiti, “Chiripo chifeve chiya, chakanga chiri paEnaimu panzira?” Vakati, “Kwakanga kusina chifeve pano.”