Genesis 38:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋaciʋuya naye, akatuma shoko kunaɓaɓa ʋomurume wake, aciti: Ndinemimba nomurume unenhumbi idzi; akati: Ƌocerekedzai kuti iɀi ndeɀani, ɀinoti, cimhete, norwonzi, netȿimbo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino paakanga achibudiswa, akatumira shoko kuna vatezvara vake akati, “Ndine mimba yomuridzi wezvinhu izvi.” Uye akatizve, “Onai kana mungaziva mwene wemhete yechisimbiso iyi norutambo rwayo, netsvimbo iyi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakandoti vauye naTamari kudaro, iye Tamari akatuma shoko kuna vatezvara vake rokuti, “Ndava napamuviri pomuridzi wezvinhu izvi. Doongororai nyembe nomudonzvo mugoona kuti ndezvaani.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vachiuya naye, akatuma shoko kuna baba vomurume wake, achiti, “Ndine mimba nomurume ane nhumbi idzi, akati, ‘Docherekedzai kuti izvi ndezvani, zvinoti, chimhete norwonzi, netsvimbo.’ ”
Shona 2009?
Zvino vakati vachiuya naye, aka­tuma shoko kuna baba vomurume wake, achiti, "Ndine mimba nomurume ane nhumbi idzi, akati, `Docherekedzai kuti izvi ndezvani, zvinoti, chimhete norwo­nzi, netsvimbo.' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vachiuya naye, akatuma shoko kuna baba vomurume wake, achiti, “Ndine mimba nomurume ane nhumbi idzi, akati, ‘Docherechedzai kuti izvi ndezvani, zvinoti, chimhete netambo, netsvimbo.’ ”