Genesis 38:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aciɓereka, mumŋe akaɓuɗisa ruʋoko; ipapo mbuya ʋakatora rwonzi rutȿuku, ʋakarusuŋgira paruʋoko rwake, ʋaciti: Uyu wataŋga kuɓuɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paakanga achipona, mumwe wavo akabudisa ruoko rwake; saka vanyamukuta vakatora rushinda rutsvuku vakamusunga paruoko rwake uye vakati, “Uyu ndiye atanga kubuda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti ava pahata achisununguka, mumwe mwana akabudisa ruoko. Ipapo vanyamukuta vaibatsira pakusununguka vakatora shinda tsvuku ndokusunga ruoko rwomwana vachiti, “Uyu ndiye atanga kubuda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achibereka, mumwe akabudisa ruoko; ipapo mbuya vakatora rwodzi rutsvuku, vakarusungira paruoko rwake, vachiti, “Uyu atanga kubuda.”
Shona 2009?
Zvino akati achibereka, mumwe akabudisa ruoko; ipapo mbuya vakatora rwodzi rutsvuku, vakarusungira paruoko rwake, vachiti, "Uyu atanga kubuda."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achibereka, mumwe akabudisa ruoko; ipapo mbuya vakatora rwodzi rutsvuku, vakarusungira paruoko rwake, vachiti, “Uyu atanga kubuda.”