Genesis 38:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino uyu wakati adzosera ruʋoko rwake, munuŋuna wake akaɓuɗa; iʋo ʋakati: Waɀipasanurira seiko — Naiɀoɀo akamutumidza zita rinonzi Perezi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi akati adzosera ruoko rwake mukati, munun'una wake akabuda, uye vakati, “Saka ndiwo mabudiro awaita nhai!” Uye akatumidzwa zita rokuti Perezi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mwana uyu akadzosera ruoko rwake mukati, akanga ari mukati akabva abuda. Vanyamukuta ava ndokubva vati, “Inga wazvipeurira nzira yako!” Ndokusaka akatumidzwa zita rokuti Ferezi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino uyu akati adzosera ruoko rwake, mun'una wake akabuda; ivo vakati, “Wazvipasanurira seiko?” Naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Perezi.
Shona 2009?
Zvino uyu akati adzosera ruoko rwake, munu­n'una wake akabuda; ivo vakati, "Wazvi­pasanurira seiko?" Naizvozvo akamutu­midza zita rinonzi Perezi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino uyu akati adzosera ruoko rwake, munun'una wake akabuda; ivo vakati, “Wazvipasanurira seiko?” Naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Perezi.