Genesis 38:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Juda akati kunaOnani: Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire ɀakafanira munuŋuna womurume, umutsire mukoma wako ʋana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Judha akati kuna Onani, “Vata nomukadzi womukoma wako uye umuitire zvawakafanira kuita kwaari somunun'una, kuti uberekere mukoma wako vana.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Judha akazoti kuna Onani, “Gara nhaka mukadzi womukoma wako umuberekere vana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Judha akati kuna Onani, “Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire zvakafanira mun'una womurume, umutsire mukoma wako vana.”
Shona 2009?
Zvino Judha akati kuna Onani, "Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire zvakafanira munun'una womurume, umutsire mukoma wako vana."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Judha akati kuna Onani, “Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire zvakafanira munun'una womurume, umutsire mukoma wako vana.”