Genesis 39:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akamuɓata ŋguʋo yake, akati: Ʋata neni; iye akasiya ŋguʋo yake muruʋoko rwake, akatiza, akaɓuɗa panze.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akamubata nejasi rake uye akati, “Uya kumubhedha uzovata neni!” Asi akasiya jasi rake muruoko rwake akamhanya ndokubuda kunze kwemba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakarepo mudzimai uyu akamuti ndu-u hanzu yake achiti, “Rara neni.” Ipapo Josefi akapukunyura akabva asiya hanzu yake muruoko rwomudzimai uyu ndokutizira panze.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akamubata nguo yake, akati, “Vata neni;” iye akasiya nguo yake muruoko rwake, akabuda panze.
Shona 2009?
Ipapo akamubata nguvo yake, akati, "Vata neni;" iye aka­siya nguvo yake muruoko rwake, akabuda panze.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akamubata nguo yake, akati, “Vata neni;” iye akasiya nguo yake muruoko rwake, akabuda panze.