Genesis 39:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akaɗana ʋarume ʋeimba yake, akataura naʋo, akati: Tarirai, iye wakaʋuyisa muHeberu pakati peɗu kuti atiɗaɗire; wakapinda kwandiri, kuti aʋate neni, ndikaridza mhere nenzwi guru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akadanidzira kuvashandi, akati, “Tarirai, muHebheru uyu akauyiswa kwatiri kuti azotidadira! Apinda muno kuti azovata neni, asi ndaridza mhere.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akadaidza varanda vepamba pake vechirume akavati, “Mazvionaka! MuHebheru uyu watakaunzirwa ava kutivirimira. Auya achida kurara neni, ndikabva ndaridza mhere.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akadana varume veimba yake, akataura navo akati, “Tarirai, iye akauyisa muHebheru pakati pedu kuti atidadire; akapinda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neizwi guru.
Shona 2009?
akadana varume veimba yake, akataura navo akati, "Tarirai, iye akauyisa muHe­bheru pakati pedu kuti atidadire; akapi­nda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neinzwi guru.
Shona SUB 2002 Bible
akadana varume veimba yake, akataura navo akati, “Tarirai, iye akauyisa muHebheru pakati pedu kuti atidadire; akapinda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neizwi guru.