Genesis 39:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova ɀino wakaŋga anaJosefa, akaramba acikwirira; akagara mumba matenzi wake, muEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akanga ana Josefa uye akaita kuti abudirire, uye aigara mumba momuIjipita, tenzi wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi aiva naJosefi. Naizvozvo akabudirira kwazvo agere mumba matenzi wake wechiIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; akagara mumba matenzi wake muIjipiti.
Shona 2009?
Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; aka­gara mumba matenzi wake muljipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; akagara mumba matenzi wake muIjipiti.