Genesis 39:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mutariri wetoroŋgo wakaŋga asinehanya necinhu cakaŋga ciri pamaʋoko ake, nokuti Jehova wakaŋga anaye; ɀose ɀaaiita, Jehova wakaɀiruramisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chipi zvacho chaiva pasi paJosefa, nokuti Jehovha akanga ana Josefa uye akaita kuti abudirire pane zvose zvaaiita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutariri wejeri haaimbozvinetsa nezvinhu zvaitariswa naJosefi nokuti Tenzi aiva naJosefi achimubatsira kuti zvose zvaaiita zvibudirire.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nokuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.
Shona 2009?
Mutariri wetirongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nokuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.
Shona SUB 2002 Bible
Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nokuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.