Genesis 39:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
hakunomukuru kwandiri paimba ino; haana‐kundidziʋisa cinhu, asi imi moga; nokuti muri mukadzi wake; ɀino ndiŋgaita seiko cinhu ici cakaipa ɀikuru nditadzire Mŋari?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hamuna munhu mukuru muno mumba kupfuura ini. Tenzi wangu haana kundinyima kana chinhu chimwe zvacho kunze kwenyu, nokuti imi muri mukadzi wavo. Zvino ndingaitirei chinhu chakaipa kudai uye ndichitadzira Mwari?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hakuna munhu ane simba kudarika ini pamba pano. Tenzi wangu akandipa masimba pamusoro pezvinhu zvose, kunze kwenyu imi moga nokuti muri mudzimai wake. Zvino ndingagoita sei chinhu chakaipa kudaro ndichitadzira Mwari?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?”
Shona 2009?
hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imwi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndi­ngaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?"
Shona SUB 2002 Bible
hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?”