Genesis 4:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akati kwaari: Naiɀoɀo aninani unoʋuraya Kaini ucatsibga kanomŋe. Jehova ndokuisira Kaini ciratidzo, kuti munhu unozomuwana arege kumuʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehovha akati kwaari, “Kwete hazvingadaro; kana munhu upi zvake akauraya Kaini, achatsiviwa kanomwe.” Ipapo Jehovha akaisa rupau pana Kaini kuitira kuti kurege kuva nomunhu anenge amuwana angazomuuraya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Tenzi akati, “Kwete. Ani naani anenge auraya Kaini anotsiviwa kakapetwa kanomwe.” Tenzi akaisa Kaini rupawo kuitira kuti munhu anenge azomuona arege kumuuraya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akati kwaari, “Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe.” Jehovha ndokuisira Kaini chiratidzo, kuti munhu anozomuwana arege kumuuraya.
Shona 2009?
Jehovha akati kwaari, "Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe." Jehovha ndokuisira Kaini chiratidzo, kuti munhu anozomuwana arege kumuuraya.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akati kwaari, “Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe.” Jehovha ndokuisira Kaini chiratidzo, kuti munhu anozomuwana arege kumuuraya.