Genesis 4:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rameki akati kuʋakadzi ʋake: Ada naZira, inzwai inzwi raŋgu; Imi ʋakadzi ʋaRameki, tererai ɀandinotaura; Nokuti ndinoʋuraya munhu unondikuʋadza, Nejaya rinondipxanya;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rameki akati kuvakadzi vake, “Adha naZira, nditeererei; imi vakadzi vaRameki, inzwai mashoko angu. Ndauraya munhu nokuti andikuvadza, nejaya nokuti randipwanya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rameki akati kumadzimai ake: “Adha naZira, ndinzwei. Imi vakadzi vaRameki teererai zvandava kureva. Ini pachangu ndakauraya murume akandikuvadza, kunyange iye akandidenha aiva chigwindiri chaicho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rameki akati kuvakadzi vake; “Adha naZira, inzwai izwi rangu, Imi vakadzi vaRameki, teererai zvandinotaura; Nokuti ndinouraya munhu unondikuvadza, Nejaya rinondipwanya;
Shona 2009?
Rameki akati kuvakadzi vake; "Adha naZira, inzwai inzwi rangu, imwi vakadzi vaRameki, teererai zvandinotaura; Nokuti ndinouraya munhu unondikuvadza, Nejaya rinondipwanya;
Shona SUB 2002 Bible
Rameki akati kuvakadzi vake; “Adha naZira, inzwai izwi rangu, Imi vakadzi vaRameki, teererai zvandinotaura; Nokuti ndinouraya munhu unondikuvadza, Nejaya rakandirova;