Genesis 4:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Adama akaziʋa ɀe mukadzi wake; akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, Mŋari wandipa mumŋe mŋana pacigaro caAberi, ɀaakaʋurawa naKaini.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Adhamu akararazve nomukadzi wake, akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Seti, achiti, “Mwari andipa mumwe mwana panzvimbo yaAbheri, sezvo Kaini akamuuraya.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Adhamu nomudzimai wake vakaberekazve mumwe mwana mukomana. Evha akamutumidza zita rokuti Seti achiti, “Mwari andipa zvakare mumwe mwana panzvimbo yaAbhero uya akaurayiwa naKaini.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, “Mwari wandipa mumwe mwana pachigaro chaAbhero, zvaakaurawa naKaini.”
Shona 2009?
Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, "Mwari wandipa mumwe mwana pachigaro chaAbhero, zvaakaurawa naKaini."
Shona SUB 2002 Bible
Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, “Mwari wandipa mumwe mwana pachigaro chaAbhero, zvaakaurayiwa naKaini.”