Genesis 4:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Kaini wakataurirana nomunuŋuna wake Aberi; ʋakati ʋari kusaŋgo, Kaini ndokumukira Aberi munuŋuna wake, akamuʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Kaini akati kumunun'una wake, “Ngatimbobuda tiende kumunda.” Uye vakati vari mumunda Kaini akarwisa munun'una wake Abheri akamuuraya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kaini akazotaurirana nomunun'una wake Abhero achiti, “Ngatimboendaika zvedu musango.” Ikoko Kaini akamukira munun'una wake, Abhero akamuuraya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Kaini wakataurirana nomun'una wake Abhero; vakati vari kusango, Kaini ndokumukira Abhero mun'una wake, akamuuraya.
Shona 2009?
Zvino Kaini wakataurirana nomunu­n'una wake Abhero; vakati vari kusango, Kaini ndokumukira Abhero munun'una wake, akamuuraya.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Kaini wakataurirana nomunun'una wake Abhero; vakati vari kusango, Kaini ndokumukira Abhero munun'una wake, akamuuraya.