Genesis 40:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti ɀirokwaɀo, ndakaɓiwa kunyika yaʋaHeberu; napano handina‐kuita cinhu cakafanira kuti ʋandiise mugomba iri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndakatorwa nokumanikidzwa kubva kunyika yavaHebheru, kunyange pano handina chinhu chakafanira kuti ndipinzwe mugomba rino.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti zvechokwadi ini ndakabiwa kunyika yavaHebheru. Kunyange kuno hapana chandakatadza chingasakise kuti ndiiswe mujeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti zvirokwazvo, ndakabiwa kunyika yavaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri.”
Shona 2009?
nokuti zvirokwazvo, ndakabiwa ku­nyika yavaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri."
Shona SUB 2002 Bible
nokuti zvirokwazvo, ndakabiwa kunyika yaVaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri.”