Genesis 40:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukuru waʋaɓiki wakati aʋona kuti ɗudziro yakanaka, akati kunaJosefa: Neni ʋo ndakaŋga ndiri pakurota kwaŋgu, ndikaʋona tswanda nhatu dzeciŋgwa cicena dzakaŋga dziri pamusoro waŋgu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mubiki mukuru akati aona kuti Josefa akanga apa dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, “Neniwo ndarota hope. Pamusoro pangu panga pana matengu matatu echingwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti mukuru mukuru wavabiki anzwa dudziro yakanaka yakanga yapiwa naJosefi akati, “Neniwo ndarota ndakatakura pamusoro tswanda nhatu dzakaturikidzana dzanga dziine chingwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukuru wavabiki akati aona kuti dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, “Neniwo ndakanga ndiri pakurota kwangu, ndikaona tswanda nhatu dzechingwa chichena dzakanga dziri pamusoro wangu;
Shona 2009?
Zvino mukuru wavabiki akati aona kuti dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, "Neniwo ndakanga ndiri pakurota kwangu, ndikaona tswanda nhatu dzechingwa chichena dzakanga dziri pamusoro wangu;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukuru wavabiki akati aona kuti dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, “Neniwo ndakanga ndiri pakurota kwangu, ndikaona tswanda nhatu dzechingwa chichena dzakanga dziri pamusoro wangu;