Genesis 41:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Farao akatuma munhu kundoɗana Josefa, ʋakakurumidza kumuɓuɗisa mugomba; ʋakaʋeʋura ndebvu dzake nokumufukidza dzimŋe ŋguʋo; akapinda kunaFarao.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Faro akatuma vanhu kuna Josefa, uye akakurumidza kubudiswa mugomba. Akati aveurwa musoro uye apfeka dzimwe nguo, akauya pamberi paFaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Farao akatuma munhu kundodaidza Josefi. Vakamukurumidzisa kubuda mujeri muya. Akaveura ndebvu dzake vakamupfekedza dzimwe hanzu, ndokuenda naye kuna Farao.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Farao akatuma munhu kundodana Josefa, akakurumidza kumubudisa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguo; akapinda kuna Farao.
Shona 2009?
Ipapo Farao akatuma munhu kundodana Josefa, akakurumidza kumubudisa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguvo; akapinda kuna Farao.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Farao akatuma munhu kundodana Josefa, akakurumidza kumubudisa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguo; akapinda kuna Farao.