Genesis 41:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndiwe ucaʋa muɓati weimba yaŋgu; ʋanhu ʋaŋgu ʋose ʋacarairwa neshoko rako; asi pacigaro caŋgu coʋushe ndi’po pandicaʋa mukuru kwauri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iwe uchava mutariri womuzinda wangu, navanhu vangu vose, uye vanhu vangu vose vanofanira kuzviisa pasi pezvaunovarayira. Ndichava mukuru kwauri pachigaro choushe chete.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiwe wava mutongi mukuru wezvapamuzinda wangu. Vanhu vangu vose vanosungirwa kuita sokutaura kwaunenge waita. Asi kana zvava zvoumambo ndipo poga pandiri mukuru kwauri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigarao changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri.”
Shona 2009?
ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigarao changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri."
Shona SUB 2002 Bible
ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigaro changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri.”