Genesis 41:43 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akamufambisa neŋgoro yecipiri yaakaŋga anayo; ʋakaɗanidzira pamberi pake, ʋaciti: Fugamai! Akamuita muɓati wenyika yose yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akamuita kuti akwire pangoro yake ari wechipiri pakutungamira, uye vanhu vakadanidzira pamberi pake vachiti, “Dziurai nzira!” Nokudaro akamuita mutariri weIjipiti yose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akati Josefi akwire mungoro yechipiri youmambo. Mberi kwake kukagotungamidzwa vaidaidzira vachiti, “Gwadamai muchimuremekedza.” Ndiko kugadzwa kwakaitwa Josefi kuti atonge nyika yose yeIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akamufambisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, “Pfugamai!” Akamuita mubati wenyika yose yeIjipiti.
Shona 2009?
akamufambisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, "Pfugamai!" Akamuita mubati wenyika yose yeIjipiti.
Shona SUB 2002 Bible
akamufambisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, “Pfugamai!” Akamuita mubati wenyika yose yeIjipiti.