Genesis 41:45 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanati‐panea; akamupa Asenati, mukunda waPotifera, muprista weOni, aʋe mukadzi wake. Josefa akaɓuɗa, akafamba nenyika yose yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Faro akatumidza Josefa zita rokuti ZafenatiPanea uye akamupa Asenati mwanasikana waPotifera, muprista weOni, kuti ave mukadzi wake. Uye Josefa akafamba munyika yose yeIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Farao akatumidza Josefi zita rokuti Zafenatipanea, akamupawo mukadzi ainzi Asinati, mwana waPotifera mupristi weguta reOni. Naizvozvo Josefi akabuda akafamba neIjipiti achiona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeIjipiti.
Shona 2009?
Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, muku­nda waPotifari, muprista weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeIjipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeIjipiti.