Genesis 41:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomŋe dzakakora, dzakaŋga dzizere. Farao akapepuka, akaʋona kuti warota.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hura dzezviyo dzakatetepa dzakamedza dziya nomwe dzakanga dzakakora, hura dzakanga dzizere. Ipapo akapepuka, onei kwakanga kuri kurota.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hura nhete dzakamedza hura dziya dzakasvika, Farao akapepuka, wanei kuti kwaiva kurota chete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakakora, dzakanga dzizere. Farao akapepuka, akaona kuti arota.
Shona 2009?
Zvino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakakora, dzakanga dzizere. Farao akapepuka, akaona kuti arota.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakakora, dzakanga dzizere. Farao akapepuka, akaona kuti arota.