Genesis 42:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
heci cinhu camucaidzwa naco: Noʋupenyu bgaFarao, hamuŋgaɓuɗi pano kana munuŋuna wenyu worugotwe asina‐kuʋuya pano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye aya ndiwo maedzerwo amuchaitwa: Zvirokwazvo noupenyu hwaFaro, hamuchabvi panzvimbo ino kunze kwokunge munun'una wenyu gotwe auya pano.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinopika namambo Farao! Imi hamubve pano kana munun'una wenyu muduku asina kuuya pano. Ndipo pandichaziva kuti muri kutaura chokwadi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
hechi chinhu chamuchaedzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamungabudi pano kana mun'una wenyu worugotwe asina kuuya pano.
Shona 2009?
hechi chinhu chamuchae­dzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamu­ngabudi pano kana munun'una wenyu wo­rugotwe asina kuuya pano.
Shona SUB 2002 Bible
hechi chinhu chamuchaedzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamungabudi pano kana munun'una wenyu worugotwe asina kuuya pano.